Leonard Dembo & The Barura Express – Kukura Kwedu Lyrics
Kukura Kwedu Lyrics
Baba namai remekedzanaiwozve
Kudzanaiwo vana venyu tigarike
Baba namai remekedzanaiwozve
Kudzanaiwo vana venyu tigarike
Amai kana baba vakanganisa ava
Dzorai moyo vana venyu tigarike
Amai kana baba vakanganisa ava
Dzorai moyo vana venyu tigarike
Baba kana amai vakutadziraika
Dzorai moyo vana tikure nerugare
Baba kana amai vakutadziraika
Dzorai moyo vana tikure nerugare
Kana mukasiyana imwi baba namai honaika
Kana kukura kwedu kunozotinetsa
Kana mukasiyana imwi baba namai honaika
Kana upenyu hwedu hunozotinetsa
Rangarirai nhamo iya babaka munoiziva iyi
Kana kupinda chikoro kunozotinetsa
Rangarirai nhamo iya babaka munoiziva iyi
Kana chekupfeka chinozotinetsa
Rangarirai nhamo iya amai munoiziva iyi
Kana kukura kwedu kunozotinetsa
Rangarirai nhamo iya amaika munoiziva iyi
Kana upenyu hwedu hunozotinetsa
Rangarirai nhamo iya babaka makarutamba imi
Kana kupinda chikoro kunozotinetsa
Rangarirai nhamo iya babaka makarutamba imi
Kana chekupfeka chinozotinetsa
Rangarirai nhamo iya amaika makaiwona imi
Kana kukura kwedu kunozotinetsa
Rangarirai nhamo iya amaika munoiziva imi
Kana upenyu hwedu hunozotinetsa
Lyrics sourced via LRCLIB, contributed by its community.
