Charles Charamba – Kutenda KwaAbraham Lyrics

Kutenda KwaAbraham Lyrics

Tiri vana vake nokutenda
Huyewo nokutenda
Iye wakava shamwari yaMwari

Kutenda kwake baba
Kutenda kwaAbrahama
Kutenda kwake baba
Kutenda kwaAbrahama
Kutenda kwababa vedu
Kutenda kwaAbrahama
Kutenda kwake baba
Kutenda kwaAbrahama

Ibva munyika iyo yechiberekerwo
Uende kunyika yandichakuratidza
Ibva munyika iyo yechiberekerwo
Uende kunyika yandichakuratidza
Ndokusimuka kunanga kuenda kuKenani
Kusiya dunhu reCaldea
Ndokusimuka kunanga kuenda kuKenani
Kusiya dunhu reCaldea

Ndokusimuka kuenda kusina amai nababa
Kuenda kwaasingazive
Ndokusimuka kunanga kusina amai nababa
Kuenda kwaasingazive

Ndichakupa zita rangu
Neni ndotora rako hameni Baba
Kuda kwenyu ngakuitwe
Ndichakupa zita rangu
Neni ndotora rako hameni Baba
Kuda kwenyu ngakuitwe
Ndichakupa vana vakawanda senge ivhu regungwa
Hameni Baba kuda kwenyu ngakuitwe
Ndichakupa vana vakawanda senge jecha
Hameni Baba kuda kwenyu ngakuitwe

Gore rinouya nguva ino unenge wava nemwana
Hameni Baba kuda kwenyu ngakuitwe
Mwaka unouya nguva ino unenge wava nemwana
Hameni Baba kuda kwenyu ngakuitwe
Mwana iyeye ugomutumidza zita rokuti Isaka
Hameni kuda kwenyu ngakuitwe
Mwanakomana iyeye ugomutumidza zita rokuti Isaka
Hameni kuda kwenyu ngakuitwe

Ndichakupa vana vakawanda senge nyeredzi
Hameni Baba kuda kwenyu ngakuitwe
Ndichakupa vana vakawanda senge nyeredzi
Hameni Baba kuda kwenyu ngakuitwe

Amai kutenda kwake baba
Kutenda kwaAbrahama
Kutenda kwababa vedu
Kutenda kwaAbrahama

Vamwe vakapihwa mazana namazana
Amaropafadzo naMwari
Mwari akati ndinoda chimwe chete pagumi

Mhai kutenda kwake baba
Kutenda kwaAbrahama
Kutenda kwababa vedu
Kutenda kwaAbrahama
Iko kutenda kwavo baba here
Kutenda kwaAbrahama

Ibva munyika iyo yechiberekerwo
Uende kunyika yandichakuratidza
Ibva munyika iyo yechiberekerwo
Uende kunyika yandichakuratidza
Ndokusimuka kunanga kuenda kuKenani
Kusiya dunhu reCaldea
Ndichakupa zita rangu
Neni ndotora rako hameni Baba
Kuda kwenyu ngakuitwe

Gore rinouya nguva ino unenge wava nemwana
Hameni Baba kuda kwenyu ngakuitwe
Mwanakomana iyeye ugomutumidza zita rokuti Isaka
Hameni kuda kwenyu ngakuitwe
Ndoda zvino uchindibaire mwana
Hameni Baba kuda kwenyu ngakuitwe
Ndoda zvino uchindibaire mwana
Hameni Baba kuda kwenyu ngakuitwe

Kufamba rwendo rwemazuva matatu
Kunanga kugomo reMoria
Kufamba rwendo rwemazuva matatu
Kunanga kugomo reMoria
Kusunga mwana mumwe chete iyeye Isaka
Kutenda kwaAbrahama
Kuradzika mwana mumwe chete iyeye Isaka
Kutenda kwaAbrahama

Kunongedza munondo pachipfuva chaIsaka
Kuda kubaya mwana
Kunongedza munondo pachipfuva chaIsaka
Kuda kubaya mwana

Kutenda kwababa vedu
Kutenda kwaAbrahama
Mhai kutenda kwake baba here
Kutenda kwaAbrahama
Iko kutenda kwake baba
Kutenda kwaAbrahama

Lyrics sourced via LRCLIB, contributed by its community.