Alick Macheso – Monalisa Lyrics

Zvinofadza sei vamwe vangu
Zvandakakuudzai ndinaye wangu uyo-o-o
Mungafara sei nhai amai
Zvandakakuudzai ndinaye wangu
Mona, pondosvika ndipo paanonzwa moyo kusununguka
Sezvo akatsidzira, murudo nemukutambura
Mukuronga ramangwana, ngarive rine pundutso

Baba na amai kureva kwavo kwakare ngekweshingiso
Kuvana avo (Mona)
Baba na amai manzwi avo akare ngeekundiso
Ngaaite moyo mutsvene, sehutsvene hwaainahwo
Zvikanzi zvaitwa Museyamwa, mhuri dzinza rakura
Pfungwa dzekurera kuzadzikisa huchechetere hwake
Huve huine pundutso

Kuroora izita, sechitsungo chaakatsungira
Mukuda kuroorwa uko (Mona)
Kuroora izita, sechitsungo chaakatsungira
Ndiyeyu mumwechete iyeye
Mutoreiwo semwana wemumba
Mokwetekwete marara muruvanze
Zviito zvenyu zvive zviine pundutso

Haya

Variko uyo nauyo, vasingade kuona nhingi achidanana nanhingi
Variko Joe na Sammy, vasingade kuona Musa achidanana naMbire
Ndakakuudzai wani, zvamaona zvishoma zvichakugwabvurai moyo yenyu
Ndakakuudzai wani, zvamaona zvishoma zvichakugwabvurai moyo
Yenyu, yenyu, yenyu

Zvinofadza sei (mwana uya zvandave naye)
Zvinofadza sei (Mona zvaava mai vemba)
Muchafarire poyi? (mwana uya zvandave naye)
Muchafarire poyi? (Mona zvaava mai vemba)
Hoiye hoiye iye (mwana uya zvandave naye)
Hoiye hoiye iye (Mona zvaava mai vemba)

Zvakanaka zvakadaro (zvakadaro)
Zvakanaka zvinodiwa nemunhu wese (neni ndinozvidawo)
Zvakanaka zvakadaro (zvakadaro)
Zvakanaka zvinodiwa nemunhu wese (neni ndinozvidawo)

Zvakanaka zvakadaro (kupinda muchato, chero neniwo)
Zvakanaka zvinodiwa nemunhu wese (chero nani zvake)
Zvakanaka zvakadaro (kupinda muchato, chero neniwo)
Zvakanaka zvinodiwa nemunhu wese (chero nani zvake)

Zvakanaka zvakadaro (varume, nhai varume)
Zvakanaka zvinodiwa nemunhu wese (varume-e-e, varume)
Zvakanaka zvakadaro (varume, nhai varume)
Zvakanaka zvinodiwa nemunhu wese (varume-e-e)