Alick Macheso, Orchestra Mberikwazvo – Wemakonzo Lyrics

Wemakonzo Lyrics

Ndauya naye Ndiropina wandati muroora wenyu
Pemberai nekufara mudei seni mwana wenyu
Ndiyeyuka mukuwasha wandati andiroore ini
Kana musingamude ini ndichamwa wemakonzo
Hiyaaa Hiyaaa

Ndanzwa babamukuru voti mukuwasha murombo
Wadii watsvaga mupfumi agara ane mari kare
Hiyaaa Hiyaaa

Mungamuramba zvenyu asi ndiyeyu wandada
Chidamoyo kwandiri hamba yakada makwati
Zvandinovimbisa kwamuri hazvinei murombo
Mwari vatisanganisa vanoziva ramangwana redu

(Macheso power, level)

Vabereki musadaro nemi vehukama musadaro
Musaite semakawanana mose muri mumari
Havasi vose vakawanana dzose dziri shoroma
Hoohooo ohh

Vabereki musadaro nemi vehukama musadaro
Musaite semakawanana mose muri mumari
Havasi vose vakawanana dzose dziri shoroma
Hoohooo ohh

Noel Nyazanda (samu samu)
Lucky Mumiriki (samu samu)
Thomson Chauke (samu samu)
Joe Kasamba (samu samu)
Samuel Mugede (samu samu)
Musa Hope (samu samu)
Elton Muropa (samu samu)
Alick Macheso (samu samu)
Rochie Fatiya (samu samu)
Vana veMberikwazvo (samu samu)

Vabereki musadaro
Musaite semakawanana mose muri mumari
Vehukama musadaro
Havasi vose vakawanana dzose dziri shoroma

Ndakazviwanira wangu asinei newamaida imiwoo
Ndakazviwanira wangu asinei newamaida imiwoo
Kana iri pfuma inouya tave pamwe
Kana iri pfuma inouya tave pamwe

Havasi vose vakawanana vari vapfumi kare
Havasi vose vakawanana vari vapfumi kare
Mupfumi kare bodo ndichagara ndirimutyiswa, pamba pangu
Mupfumi kare bodo ndichagara ndirimutyiswa, pamba pangu

Handina rusununguko ndakazviwana zviripo
Mhai pamba pangu
Handina rusununguko ndakazviwana zviripo
Mhai pamba pangu iniwoo
Mhaiwoo pamba pangu iniwoo
Oh, mhai pamba pangu

Lyrics sourced via LRCLIB, contributed by its community.