Audius Mtawarira – Muchandiona Lyrics

Muchandiona Lyrics

Umm, inga wani mwana akataura
Kana chikoro chapera ndakura
Amai kure kure kwandichaenda
Muchandiona (muchandiona)

Inga wani Baba vakatambura (tambura)
Zuva nezuva vachititakura (vachititakura)
Amai muchitsvaga chekupakura
Muchandiona (muchandiona)

Zvangu zvandinogona zvandidaidza (daidza)
Kubatanidza zvavakandifundisa (ndifundisa)
Nezvipo zvekudenga
Muchandiona (vachandiona) hayi

Aiwa kuchema musacheme (musacheme)
Aiwa kudzidza hakupere (hakupere)
Kana ndadzoka muchandiona (muchandiona) haya

Langa ngelanga ngikukhumbula mntana'mi ungekho ekhaya

Zuva racho ndiroro (ndiroro)
Rinopenya kwese kwese (kwese kwese)
Kana radoka musandityire, haya
Kune vamwe variko (variko)
Tichadzoka kuZimbabwe (kuZimbabwe)
Kana ndapedza muchandiona

Ndiri ndega
Ndiri ndega
Ndiri ndega
Ndega zvangu kuno
Ndiri ndega
Ndiri ndega
Ndiri ndega
Ndega zvangu kuno

Vaigara vachiti ndinoshereketa (shereketa)
Shamwaridzana nevane musikanzwa (musikanzwa)
Nhasi kamwana kaye kazokura
Muchandiona (muchandiona)

Amai muchafamba nezimota (nezimota)
Kubva Mazoe kusvika Mutoko (nekuJoni)
Haya, vachakuona iwe (bazokubona)
Aiwa kuchema musacheme (ningakhali)
Aiwa kudzidza hakupere
Muchandiona (muchandiona)

Langa ngelanga ngikukhumbula mntana'mi ungekho ekhaya

Zuva racho ndiroro (ndiroro)
Rinopenya kwese kwese (kwese kwese)
Kana radoka musandityire, haya
Kune vamwe variko (variko)
Tichadzoka kuZimbabwe (kuZimbabwe)
Kana ndapedza
Muchandiona

Ndiri ndega (ndega)
Ndiri ndega (ndega)
Ndiri ndega
Ndega zvangu kuno (kuno)
Ndiri ndega (ndega)
Ndiri ndega (ndega)
Ndiri ndega
Ndega zvangu kuno (kuno)

Varidzi variko (variko)
Vaichema-chema (vaichema-chema)
Vachitumira mwana kuchikoro
Varidzi variko (variko)
Vaichema-chema (vaichema-chema)
Vachimhanya-mhanya
Vadzungaira

Zuva racho ndiroro (vaichema-chema)
Rinopenya kwese kwese (vachitumira mwana kuchikoro)
Kana radoka musandityire

Kune vamwe variko (varidzi variko)
Tichadzoka kuZimbabwe (kuZimbabwe)
Kana ndapedza muchandiona
Zuva racho ndiroro (ndiroro)
Rinopenya kwese kwese (kwese kwese)
Kana radoka musandityire

Kune vamwe variko (variko)
Tichadzoka kuZimbabwe (kuZimbabwe)
Kana ndapedza muchandiona

Ndiri ndega
Ndiri ndega
Ndiri ndega
Ndega zvangu kuno (musandityire)

Ndiri ndega
Ndiri ndega
Ndiri ndega (kuZimbabwe)
Ndega zvangu kuno (muchandiona)
Varidzi variko (variko)
Vaichema (vaichema)
Vachitumira mwana kuchikoro
Varidzi variko

Lyrics sourced via LRCLIB, contributed by its community.