Charles Charamba – Handichagara Pano Lyrics

Handichagara Pano Lyrics

Ngakurege kuva nemunhu anonditorazve
Kundidzosera kwandainge ndiri
Ngakurege kuva nemunhu anondibata ruoko
Kundidzosera kwandairarama
Ngakurege kuva nemunhu anondizevezera
Munzeve dzangu zvekuramba Jesu

Ngakurege kuva nemunhu anonditorazve
Kundidzosera kwandainge ndiri
Ngakurege kuva nemunhu anondibata ruoko
Kundidzosera kwandairarama
Ngakurege kuva nemunhu anondizevezera
Munzeve dzangu zvekuramba Jesu

Hapana chandichambogarira panoka inini
Zvandadaidzwa naJesu zvanaka
Mukoma hapana kana chandichamirira panoka ini
Zvandasangana naJesu zvanaka
Hapana chandichambogarira pano
Zvandadaidzwa naJesu zvanaka
Mukoma hapana kana chandigarira panoka ini
Kusangana naJesu kwanaka

Masango andafamba ndiri ndega awanda
Masango andafamba ndiri ndega inini awanda
Nzendo dzandangozvifambira ndega mukoma dzawanda
Nzendo dzandangozvifambira ndiri ndega dzawanda

Pfuma yandakashingaira ndega mukoma
Yose yakapera kubiwa nembavha
Pfuma yandakashingaira ndega mukoma
Yose yakapera kubiwa nembavha
Dzimba dzandakazvivakira ndiri ndega
Dzose dzava pasi kudonha nemuchenje
Misha yandakazvimisira ndega inini
Yese yave pasi kudonha nemuchenje

Ndakaita shungu dzakawanda
Handina kana chimwe chandipa pundutso
Ndakaita shungu dzakawanda
Handina kana chimwe chandabuda nacho
Ndakayamurawo vakawanda
Hapana kana mumwe wakati tatenda
Ndakabetserawo vakawanda
Hapana kana mumwe wakati tavonga

Hapana chandichambogarira pano
Zvandadaidzwa naJesu zvanaka
Inini hapana kana chandichamirira panoka mukoma
Zvandasangana naJesu ndoenda

Hapana chandichambogarira panoka inini
Zvandasangana naJesu zvanaka
Hapana chandichambogarira panoka mukoma
Zvandadaidzwa naBaba zvanaka

Masango andafamba ndiri ndega ndati awanda
Masango andafamba ndiri ndega awanda
Dzimba dzandakazvimisira ndiri ndega
Dzose dzava pasi kudonha nemuchenje
Misha yandakazvivakira ndega mukoma
Yese yave pasi kudonha nemuchenje

Pfuma yandakashingaira ndiri ndega
Yose yakapera kubiwa nembavha
Pfuma yandakashingaira ndiri ndega
Yose yakapera kubiwa nembavha

Ndakaita shungu dzakawanda
Hapana kana chimwe chandipa pundutso
Ndakaita shungu dzakawanda
Hapana kana chimwe chandabuda nacho
Ndakayamurawo vakawanda
Hapana kana mumwe wakati tatenda
Ndakabetserawo vakawanda
Hapana kana mumwe wakati tavonga

Vamwe ndakavapa hanzu dzandaipfeka
Vachena ndokudini, kundidadira nadzo
Vamwe ndakavapa hanzu dzandaipfeka
Vachena ndokudini, kundidadira nadzo
Vamwe ndakavabaira zanhi tarirai mouraiwa
Vakandiitei, vakanditengesa
Vamwe ndakavabaira zanhi tarirai mopondewa
Vakandiitei, vakanditengesa
Vamwe ndakavapa mombe hedzo murimise
Vakati kudii, hedzo dzauya tobaya nyama

Vamwe ndakavapa mombe torai murimise
Vakati kudii, hedzo dzauya tobaya nyama
Vamwe ndokuvapa zvokudya zvangu
Vaguta ndokudini, kundibaira matura
Vamwe ndakavapa zvokudya zvangu
Vaguta ndokudini, kundibaira matura
Vamwe ndakavapa moyo wangu
Vakaitei nawo, vanhu vakaubaya
Vamwe ndakavapa, kuvapa moyo wangu
Vakaitei nawo, vanhu vakaubaya

(Hapana chandichambogarira pano) hondere ndere
(Zvandadaidzwa naJesu zvanaka) hoo ndoita seiko Baba
(Hapana chandichambogarira pano) ndoita kuda kwenyu kuregerera
(Zvandadaidzwa naJesu zvanaka) hoo ndingaite sei Baba

(Hapana chandichambogarira pano) ndoita kuda kwenyu kuregerera
(Zvandadaidzwa naJesu zvanaka) hoo ndakuuya kwamuri
(Hapana chandichambogarira pano) ndoita kuda kwenyu kuregerera
(Zvandadaidzwa naJesu zvanaka) hoo ndingaite sei Baba
(Hapana chandichambogarira pano) ndoita kuda kwenyu kuregerera
(Zvandadaidzwa naJesu zvanaka) hoo ndakuuya kwamuri

(Hapana chandichambogarira pano) ndoita kuda kwenyu kuregerera
(Zvandadaidzwa naJesu zvanaka) hoo ndingaite sei Baba
(Hapana chandichambogarira pano) ndoita kuda kwenyu kuregerera
(Zvandadaidzwa naJesu zvanaka) hoo ndakuuya kwamuri

(Hapana chandichambogarira pano) ndoita kuda kwenyu kuregerera
(Zvandadaidzwa naJesu zvanaka) hoo ndingaite sei Baba
(Hapana chandichambogarira pano) ndoita kuda kwenyu kuregerera
(Zvandadaidzwa naJesu zvanaka) hoo ndakuuya kwamuri

Ngakurege kuva nemunhu anonditorazve
Kundidzosera kwandainge ndiri
Ngakurege kuva nemunhu anondibata ruoko
Kundidzosera kwandairarama
Ngakurege kuva nemunhu anondizevezera
Munzeve dzangu zvekuramba Jesu

Ngakurege kuva nemunhu anonditorazve
Kundidzosera kwandainge ndiri
Ngakurege kuva nemunhu anondibata ruoko
Kundidzosera kwandairarama
Ngakurege kuva nemunhu anondizevezera
Munzeve dzangu zvekuramba Jesu

Lyrics sourced via LRCLIB, contributed by its community.