Freeman HKD – Kutenda Lyrics

Kutenda Lyrics

(Tapinda, nenyasha, machinda) zvino yava nyuva yekutenda baba
Gore rino ndotenda ngoni (tapinda, nenyasha, machinda)
DJ Tamuka

Gore rapera titende tapinda (tapinda), tachengetwa nenyasha (nenyasha)
Musadibhe machinda kutenda (machinda musakanganwe kutenda) kutenda
Titende tapinda (tapinda), tachengetwa nenyasha (nenyasha)
Musadibhe machinda kutenda, kutenda (machinda musakanganwe kutenda)

Dariro ngarikure ndipemberere, nditambe kudzana kufarira
Ndoita saDhavidha kurimbinyuka, mai vangu regai kundipopotera ini
Gore rino ndatokurira, rinouya ndinokurira
Vateye muteyo ndinochirika, ndine ngoni dzino kurira

Hee, vaiti ndichakoromoka, varoyi munojairira
Ndipe huswa nditombonon'ona, Jehova vandi komborera
Rumbidzwai munopa huchi nemukaka kuvhanu vanonyengetera
Iri ratopera ndichirarama, regedza ndingotenda Ishe

Rinouya ndichirarama saka ndongotenda Ishe (tapinda nenyasha)
Mwari ndomutenda, ndomutenda (machinda musakanganwe kutenda)
Rega ndimutende (tapinda) ndimutende (nenyasha)
Haa ndomutenda, ndomutenda (machinda musakanganwe kutenda)

Gore rapera titende tapinda (tapinda), tachengetwa nenyasha (nenyasha)
Musadibhe machinda kutenda (machinda musakanganwe kutenda) kutenda
Titende tapinda (tapinda) tachengetwa nenyasha (nenyasha)
Musadibhe machinda kutenda (machinda musakanganwe kutenda) kutenda

Ah pakaitika tsaona hauna kuparara saka tenda
Makore urimuchipatara hauna kuparara saka tenda
Urimupenyu nanhasi pakati pevamwe urikufema
Zvako zviri kuendeka hapana kushupika kuda kwedenga
Kutenda, kutenda, kutenda ngatitende life, haisi yekutenga
Tese takaphiwa pachena nedenga, chatingangoita chete tese kutenda

Gore rapera titende tapinda (tapinda), tachengetwa nenyasha (nenyasha)
Musadibhe machinda kutenda (machinda musakanganwe kutenda) kutenda
Titende tapinda (tapinda), tachengetwa nenyasha (nenyasha)
Musadibhe machinda kutenda, kutenda (machinda musakanganwe kutenda)

Saka simudza maoko mudenga (tapinda)
Ropafadzwa nengoni dzemudenga (nenyasha)
Ukava nemoyo wekutenda ishe havambokusiye mugwenga (machinda musakanganwe kutenda)

Anoziva remangwana ndiyani? (Hapana)
Fara nhasi mangwana haazikanwi (nenyasha)
Mweya wekufema unawo (machinda musakanganwe kutenda)
Zvatenderwa naYaweh kuti ufare

Watokomborerwa (tapinda) urimupenyu nanhasi (nenyasha)
Vakafa havana chavakaona (machinda musakanganwe kutenda)
Watokomborerwa (tapinda) wararama nazvino (nenyasha)
Vakafa havana chavakaona (machinda musakanganwe kutenda)

Gore rapera titende tapinda (tapinda), tachengetwa nenyasha (nenyasha)
Musadibhe machinda kutenda (machinda musakanganwe kutenda) kutenda
Titende tapinda (tapinda), tachengetwa nenyasha (nenyasha)
Musadibhe machinda kutenda, kutenda (machinda musakanganwe kutenda)

Tapinda, nenyasha, machinda musakanganwe kutenda
Tapinda, nenyasha, machinda musakanganwe kutenda
Tapinda, nenyasha, machinda musakanganwe kutenda (Ma, Ma, Makumbe Production)

Lyrics sourced via LRCLIB, contributed by its community.