Jah Prayzah – Kamwenje Lyrics

Kamwenje Lyrics

Hmm kamwenje

Mandibvutira kamwenje
Kuti dima rindimedze
Kuti dziva rindiyeredze
Ndangomirira kuyedze mambo, iii

Zvimwe imwe nguva
Kuchauya njiva yakatakura ruva, yoisa paguva
Pamwe muchatuma mutumwa akarurama
Mondipa mazuva, mondiwedzera nguva

Ndongoda kamwenje (ndotya, ndotya)
Ndaikumbira kamwenje
Handichaoni
Kamwenje (ndotya, ndotya)

Hupenyu hwacho makasa
Anoziva ramangwana ishasha
Kana ini ndavate parupasa, iii
Ndoti rangu ndakabate basa (ndotya, ndotya)

Zvimwe imwe nguva
Kuchauya njiva yakatakura ruva, yoisa paguva
Pamwe muchatuma mutumwa akarurama
Mondipa mazuva, mondiwedzera nguva

Zvimwe imwe nguva
Kuchauya njiva yakatakura ruva, yoisa paguva
Pamwe muchatuma mutumwa akarurama
Mondipa mazuva, mondiwedzera nguva

Ndongoda kamwenje (ndotya, ndotya)

Inongouya mweya yetsvina
Inongodzungaira nerima
Mweya inongoomesa zvamakasima
Motumira moto unoririma

Baba, inombouya mweya yetsvina
Inongodzungaira nerima
Mweya inongoomesa zvamakasima
Motumira moto unoririma

Zvamuri bako rangu rekuhwanda, mamvura mahwe
(Ndingamira naaniko?)
She muri chidzitiro, chinondivharira miseve nenyere
(Ndingamira naaniko?)

She, zvamuri bako rangu rekuhwanda, mamvura mahwe
(Ndingamira naaniko?)
She muri chidzitiro, chinondivharira miseve nenyere
(Ndingamira naaniko?) She

Kwandoyenda husiku, ndodzoka ndiri mupenyu here?
Kwandoyenda husiku, ndodzoka ndiri mupenyu here?
Kwandoyenda husiku, ndodzoka ndiri mupenyu here?

Ndaikumbira kamwenje
Ndongoda kamwenje
Mwenje uno

Lyrics sourced via LRCLIB, contributed by its community.