Jah Prayzah – Kwaunobva Lyrics
Kwaunobva Lyrics
Chikumbiro!
Mundifemere ndione dare
Ndisimbisei ndivhike nyere
Ndizarurire ndivaremere
Ndipenyese ndionekere
Ndosimudza mbiri ya Mwendamberi
Kuti vadzimu venyemwerere
Toisa manja tiombere
Tingazonzi takashora dare
Mondiisa munzira isina matsotsi
Handidi zimumvuri rengozi
Mondiisa kure kure nenjodzi
Mondipa mweya wekubata pabodzi
Mondiisa munzira isina matsotsi
Handidi zimumvuri rengozi
Mondiisa kure kure nenjodzi
Mondipa mweya wekubata pabodzi
Kwaunotsvaga kure mwanangu
Haaaa haaaa haaaa (kure)
Zvikomborero zvinobva kumba kwenyu kwaunobva
Kwaunodzungaira handiko
Haaaa haaaa haaaa
Zvikomborero zvinobva kumba kwenyu kwaunobva
Kwaunotsvaga kure mwanangu kani
Haaaa haaaa haaaa (heee kure)
Zvikomborero zvinobva kumba kwenyu kwaunobva
Kwaunodzungaira handiko
Haaaa haaaa haaaa (mmmmh)
Zvikomborero zvinobva kumba kwenyu kwaunobva
Hauna kudonha mudenga
Hauna
Hauna kubuda mumwena
Hauna
Hauna kudonha mudenga
Hauna
Hauna kubuda mumwena
Hauna
Nguva yacho ndiyoyi
Yaunotamba nayo
Kwawakafuratira ndiko kwawakasiya machena
Uri mumasango evamwe
Kwaunoshanda usina zororo
Kwausingafambe nemhondoro
Kwaunorota uchinzi hokoyo
Mondiisa munzira isina matsotsi
Handidi zimumvuri rengozi
Mondiisa kure kure nenjodzi
Mondipa mweya wekubata pabodzi
Kwaunotsvaga kure mwanangu
Haaaa haaaa haaaa (kure)
Zvikomborero zvinobva kumba kwenyu kwaunobva
Kwaunodzungaira handiko ka
Haaaa haaaa haaaa
Zvikomborero zvinobva kumba kwenyu kwaunobva
Kwaunodzungaira handiko
Haaaa haaaa haaaa
Zvikomborero zvinobva kumba kwenyu kwaunobva
Kwaunotsvaga kure mwanangu
Haaaa haaaa haaaa (mmmmh)
Zvikomborero zvinobva kwawakabva (kwaunobva)
Lyrics sourced via LRCLIB, contributed by its community.