Leonard Karikoga Zhakata – Hupenyu Mutoro Lyrics

Hupenyu Mutoro Lyrics

Gona rehupfumi 'dikita kushinga
Hope ka hadzina ndima mwachewe
Wotozvipira kuita chero chinokupa kuguta iwe
Hupenyu mutoro
Hupenyu mutoro
Hupenyu mutoro
Hupenyu mutoro
Maiti mudyatudurira makandiudza Baba
Ndiri kuita sekuda kwenyu
Asi zvinoramba
Baba zvinoramba
Idi zvinoramba
Baba zvinoramba
Kutombozvipa nekuzvishandisa semuranda
Tarisiro iye dzinoguma dzave ngano
Kukoniwa zvinondidzimba moyo
Hupenyu mutoro
Hupenyu mutoro
Hapana anoda kuva chiseko chenyika
Kana kuitwa muenzaniso wechakaipa
Hama todiiko tigokunda tese, zvatinoda
Muupenyu
Ko pandakatsika paimbove neiko vakuruwe
Zvendenge ndakageza nebonga
Munyama kushaya newangu
Rangova jambwa iwe
Rangova jambwa
Rangova jambwa
Tenzi ndaneta ini kushungurudzwa newenyama
Deno dzaiverengwa tsamwa dzangu mambo
Vamwe maivatongera pakaoma
Vamwe maivakanda mugomba renyati
Iyho iyo
Hanzi mumwe nemumwe mukurarama
Anodisa chose nemoyo wake
Kuti pfungwa dzake dzigova moto
Yekubika hupfumi
Asi zvinoramba
Tenziyeee
Upenyu hunoramba zvandinoda
Asi mumaroto nemukuronga
Munobuda chivimbo chekuti ndichakunda
Mati shungu dzoperera mufungidziro here
Tenzi mukandikanganwa mungarwadzise
Baba chichemo chondosiyawo kwamuri
Ichi chichemo chondosiyawo kwamuri
Baba chichemo chondosiyawo kwamuri
Imi
Ndouya
Huyai mumire segwevedzi
Pakati pangu nekose kandinoda
Mogodyarazve nekudiridzira
Mhodzi yerudo
Ini zvandikunda
Ndouya
Huyai mundivhikirirewo
Kune vaya vaye vakapikira
Daka risina chikonzero neni zvangu muranda
Vanorweiko
Saka tichakohwei
Tenziyeee
Ndinokumbirawo maropafadzo
Makomborero uye masimba
Honai ndazama wani kuvaka misasa
Yetsitsi rudo rukudzo nerutendo
Muhana yangu naimo mumoyo yenyu
Vakaremara vakapofomara
Nherera dzinondipisa tsitsi
Mukurarama kwavo,
Sezvandiri mudikani weruzhinji

Lyrics sourced via LRCLIB, contributed by its community.