Leonard Zhakata – Ndinyarewo Lyrics
Ndinyarewo Lyrics
Hama usandishora izwi kana kushora mhumhu wangu
Zvandinofunga hauzvizive
Saka usandishora izwi kana kushora mhumhu wangu
Zvandinofunga hauzvizive
Inga ndinokunyara wani ende ndinokukudza
Iwe
Chinokutadzisa kundinyarawo chiiko?
Iwe
Kunyarana shamwari chinhu chakanaka
Kukudzana hama inga rudadiso
Kuvenganawo hausi umbwende
Ende kunyarara hakusi kupusa
Ndinyarewo hama yangu ndinyarewo
Ndinyarewo kani, ndinyarewo
Ndinyarewo hama yangu ndinyarewo
Ndinyarewo kani, ndinyarewo
Ndinyarewo hama yangu ndinyarewo
Ndinyarewo kani, ndinyarewo
Kandiro kanoendawo kunobva kamwe shamwari
Kana ndichikunyarawo ndinyarewo kani
Kana ndakutadzira nditaurire hama
Kuti ndigokumbirawo ruregerero
Pane kundiwanzira hazvina kunaka
Nerimwe zuva richave dzerevende
Kunyarana shamwari chinhu chakanaka
Kukudzana hama inga rudadiso
Ndinyarewo hama yangu ndinyarewo
Ndinyarewo kani, ndinyarewo
Ndinyarewo hama yangu ndinyarewo
Ndinyarewo kani, ndinyarewo
Ndinyarewo hama yangu ndinyarewo
Ndinyarewo kani, ndinyarewo
Bvudzi rangu iri harina kumera pachiumbwa
Utori musoro une pfungwa dzakakwana
Saka usandishorawo pamafungiro ako
Iwe
Unoziva ungandipimawo iwe mupfungwa dzako
Ugondiona ndiri pasi petsoka dzako
Kana kundierawo sakanyama kepondo
Ugondiona ndigere muchanza chako
Asika chenjera kuzvinyepera shamwari
Iwe
Chenjera kushora mbodza neinokuzvimbira
Iwe
Kunyarana shamwari chinhu chakanaka
Kukudzana hama inga rudadiso
Ukashaiwa nyadzi kana kushaiwa rukudzo
Hauna chimiro pano panyika
Ukashaiwa nyadzi kana kushaiwa rukudzo
Hauna chimiro pano panyika
Ukashaiwa nyadzi kana kushaiwa rukudzo
Hauna chimiro pano panyika
Dai waiverengawo bhaibheri hama
Ndaikubvunza mubvunzo mumwe chete
Unoziva here nyaya yaDhavhidi naGoriyati?
Iwe
Saka usandishorawo pamafungiro ako
Iwe
Kunyarana shamwari chinhu chakanaka
Kukudzana hama inga rudadiso
Lyrics sourced via LRCLIB, contributed by its community.
