Leonard Zhakata – Nhamodzenyika Lyrics

Nhamodzenyika Lyrics

Honaka mwanangu zvawadai wakura chirega ndikupewo chirairo chekuguma
Honaka mwanangu zvawadai wakura chirega ndikupewo chirairo chekuguma
Kuzvishora kwako nyangwe kuzvikoshesa zvave kwauri mwanangu
Kuzvishora kwako nyangwe kuzvikoshesa zvave kwauri mwanangu

Asi kufa mwanangu, hakuna gumi remazuva mwanangu teerera
Ndati kufa mwanangu hakuna gumi remazuva mwanangu teerera
Iro zuva richati Tenzi havachandida panyika vave kundiendesa kwavanoziva
Ndati zuva richati Tenzi havachandida panyika vave kundiendesa kwavanoziva
Hakuna anoriziva nyangwe anoziva zviripo tose panyika takangozadzwa nefungidziro
Hakuna anoriziva nyangwe anoziva zviripo tose panyika takangozadzwa nefungidziro

Nhamo dzenyika mwanangu haungadzikuriri haungadzikwanisi
Nhamo dzenyika mwanangu haungadzikuriri haungadzikwanisi
Nhamo dzenyika mwanangu haungadzikuriri haungadzikwanisi woga

Zvichauya zvichakunetesa pfungwa zvichakutenderedza musoro zvichakupusisa
Zvichauya zvichakunetesa pfungwa zvichakutenderedza musoro zvichakupusisa
Uchachema mwanangu uchitsvaka mazano
Ipapo dura remazano ndichange ndave rindaka
Uchachema mwanangu uchitsvaka mazano
Ipapo dura remazano ndichange ndave rindaka

Ndoda ukazotora ropa rangu Baba vako uchazokungura uchazodemba
Ndati ukazotora ropa rangu Baba vako uchazokungura uchazodemba
Uchaona kuti uchave nyore kuvengwa nyangwe unatse sei hakuna anozviona
Uchaona kuti uchave nyore kuvengwa nyangwe unatse sei hakuna anozviona
Asi chitsive handidi nyangwe zvikurwadze sei ungazodzivirira makomborero kubva kumatenga
Chitsive handidi nyangwe zvikurwadze sei ungazodzivirira makomborero kubva kumatenga

Nhamo dzenyika mwanangu haungadzikuriri haungadzikwanisi
Nhamo dzenyika mwanangu haungadzikuriri haungadzikwanisi
Nhamo dzenyika mwanangu haungadzikuriri haungadzikwanisi woga

Zvinoda upenyu mwanangu zvakaoma

Baba ndakazvitsvaka honai ndakazvivhima ini ndakazvironda ende ndakazviwana
Ndokuzvipfimbika muninga yemoyo wangu
Baba ndakazvitsvaka honai ndakazvivhima ini ndakazvironda ende ndakazviwana
Ndokuzvipfimbika muninga yemoyo wangu

Yoyoyoyo yoyo
Yoyoyoyo yoyo

Zvakanaka zvose zvandingade kuita
Kunzwisisa kwese kwandingade kutaridza
Tsiye nyoro dzose dzandingape kuhama
Nguva ndiyo ino nokuti handichadzokazve
Pasi rino itsikarumwe kana ndaenda, kana ndaenda handichadzokazve

Saka nguva ndiyoyi
Nguva ndiyoyi
Nguva ndiyoyi
Nguva ndiyoyi
Nguva ndiyoyi
Nguva ndiyoyi
Nguva ndiyoyi
Hama nguva ndiyoyi
Wotoita zvinoda moyo wena

Baba kune vamwe varikurwa hondo
Idi kune vamwe varikurwa hondo
Hondo yakaipa
Hondo yakaoma
Varikuruka mbumburu vakasenga zvipfeko
Honai vane nduru kurodza mabakatwa
Hondo yekunditurunura pachigaro chiye, chandakapiwa naTenzi vaona shungu dzangu
Ndoita seiko mwana wenyu

Ndiri kupfuura nemune rino pasi kamwe chete and kekuguma
Ndodarika nemune rino pasi kamwe chete and kekuguma
Saka ndode kushandisa kamukana kano kandakapiwa naTenzi kekurarama
Ini ndode kushandisa kamukana kano kandakapiwa naTenzi kekurarama
Pasi rino itsikarumwe kana ndaenda, kana ndaenda handichadzokazve
Pasi rino itsikarumwe kana ndaenda, kana ndaenda handichadzokazve

Nhengure kutyei zvangu ini zizi harine nyanga
Handibvume kutyisidzirwa nemapfumo emashanga
Dzanguwo pfungwa neangu mashoko iuta nemiseve

Hokoyoi
Hokoyoi mazizi hokoyoi
Hokoyoi mhandu hokoyoi
Ndasunga ndamba ini
Hokoyoi haikona kutyisidzirwa iwe
Hokoyoi

Lyrics sourced via LRCLIB, contributed by its community.