Marshall Munhumumwe – Mwanangu Usandidaro Lyrics

Mwanangu Usandidaro Lyrics

Mwanangu usandidaro, mwanangu usandidaro
Chokwadi, ndakatambura newe
Wakanditadzira pasi nekudenga
Wakanditadzira zvandisingakanganwe
Zvandifungisa hupenyu hwako
Unomira chivanze kundituka, pakati pechita chevanhu chakadaro
Chokwadi wandifungisa zvakawanda

Unoziva here ndakakuchengeta
Mwedzi mipfumbamwe mudumbu mangu
Panguva iyi ndakatambura
Mudumbu mangu mayipisa semunemoto
Mabayo handitaure, pamushana ndayive dzvinyu
Ndakadya zvimwe zvinhu zvisingadyiwe
Nezvimwe zvisina kukodzera, kuti iwe urarame

Nzombe huru yakabva mukurerwa
Usaite fanika wakangodonha mudenga
Kusazive kwako wayifurirwa
Kurumidza kuripa mai vafare
Mai nhasi vanochema newe
Iwe wakakanya hupenyu hwako
Uchazvarawo vako, uchazviona

Nzombe huru yakabva mukurerwa
Usaite fanika wakangodonha mudenga
Kusazive kwako wayifurirwa
Kurumidza kuripa mai vafare
Mai nhasi vanochema newe
Iwe wakakanya hupenyu hwako
Uchazvarawo vako, uchazviona

Nzombe huru yakabva mukurerwa
Usaite fanika wakangodonha mudenga
Kusazive kwako wayifurirwa
Kurumidza kuripa mai vafare
Mai nhasi vanochema newe
Iwe wakakanya hupenyu hwako
Uchazvarawo vako, uchazviona

Nzombe huru yakabva mukurerwa
Usaite fanika wakangodonha mudenga
Kusazive kwako wayifurirwa
Kurumidza kuripa mai vafare
Mai nhasi vanochema newe
Iwe wakakanya hupenyu hwako
Uchazvarawo vako, uchazviona

Lyrics sourced via LRCLIB, contributed by its community.