Nicholas Zakaria & Khiama Boys – Mabvi nemagokora Lyrics

Mabvi nemagokora Lyrics

Tapfugama namabvi namagokora tichipemberera
Tichifaraa nekutenda Ishe
Tapfugama namabvi namagokora tichipemberera
Tichifaraa nekutenda Ishe
Musiki wakanaka wakatipa mweyaa wekufema
Kuti tirarame
Musiki wakanaka wakatipa mweyaa wekufema
Kuti tirarame
Ndokuguma woti maziso, maoko, makumbo nepfungwa
Ngazvitibatsire
Ndokuguma woti maziso, maoko, makumbo nepfungwa
Ngazvitibatsire

Tendaiwo musiki wakanaka
(Tendaiwo akatipa pfungwa)
Tendaiwo musiki wakanaka
(Tendaiwo akatipa pfungwa)
Ngatisarudze, ngatisarudze
Zvakanaka, tisazochema
Ndekuti zvese tinazvo (ndekuti zvese zviripo)
Ndekuti zvese tinazvo (ndekuti zvese zviripo)

Musiki wedu ngatimurumbidzei
Wekutisika isu ngatimurumbidzei

Tendaiwo musiki wakanaka
(Tendaiwo akatipa pfungwa)
Tendaiwo musiki wakanaka
(Tendaiwo akatipa pfungwa)
Ngatisarudze, ngatisarudze
Zvakanaka, tisazochema
Ndekuti zvese tinazvo (ndekuti zvese zviripo)
Ndekuti zvese tinazvo (ndekuti zvese zviripo)

Musiki wedu ngatimurumbidzeii
Wekutisika isu, ngatimurumbidzeii
Kutipa pfungwa, ngatimurumbidzeii

Valume, alumewo Nico Zaka alume, alumewo
Valume, alumewo Gibby Bhutadzi alume, alumewo
Valume, alumewo Gidza Hijaki alume, alumewo
Valume, alumewo Aleck Macheso alume, alumewo
Valume, alumewo Nico Zaka alume, alumewo
Valume, alumewo Aleck Macheso alume, alumewo
Ale, Ale, Ale, Ale, Ale, Ale

Tendaiwo musiki wakanaka
(Tendaiwo akatipa pfungwa)
Tendaiwo musiki wakanaka
(Tendaiwo akatipa pfungwa)
Ngatisarudze, ngatisarudze
Zvakanaka

Lyrics sourced via LRCLIB, contributed by its community.