Nicholas Zakaria & Khiama Boys – Mazano Lyrics

Mazano Lyrics

Mwana wangu teerera mazano andinokupa pachena ka
(Usandishore)
Mwana wangu teerera mazano andinokupa pachena ka
(Usandishore)

Hazvina mhosva kuti handina chandiinacho
Asika mazano tambirana nawo
Hazvina mhosva kuti handina chandiinacho
Asika mazano tambirana nawo

Kukura kwangu hakusi kupera kwepfungwa
Asika mazano tambirana nawo
Kukura kwangu hakusi kupera kwepfungwa
Asika mazano tambirana nawo

Chara chimwe hachitswanye inda, mwanawe
Chara chimwe hachitswanye inda, mwanawe

Teerera mazano mwanangu
Chipo chakanaka hauchizive pachinouya
Teerera mazano mwanangu
Chipo chakanaka hauchizive pachinouya

Kureba, kupfupika, hukobvu, hutete
Mwanawe, usambozvicherechedza
Kureba, kupfupika, hukobvu, hutete
Mwanawe, usambozvicherechedza

Mwana wangu usandishungurudza
Tafi iwe usandishungurudze
Kutambura kwako kunotondishungurudza
Kutambura kwako kunotondishungurudza
Teerera mazano usandishungurudza
Teerera mazano usandishungurudza

Lyrics sourced via LRCLIB, contributed by its community.