Feli Nandi – Unotyei Lyrics

Unotyei Lyrics

Zuva rakatanga zvakanaka
Ndangariro nepfungwa dziri pakanaka
Mufaro nekutenda kana nechandaivhunduka hapana

Pasina nguva, munhu hakuna
(Wamakasiya nezuro amira kufema)
Pasina nguva, munhu hakuna
(Wamakatarisira wenyu ayenda)

Unotyei, unotyei?
Unotyei, unotyei?
(Ndangariro dziri mberi handi dzako)
Wagumirwa here, wapererwa here?
(Ndangariro dziri mberi handi dzako)
Wagumirwa here, wapererwa here?
(Ndangariro dziri mberi handi dzako)

Vana ava ndovapei?
Chekubata ndochiwana sei?
Dai ndawana zano ndaziva zviri mberi
Zvinodai ngei?

Pasina nguva, munhu hakuna
(Wamakasiya nezuro amira kufema)
Pasina nguva, munhu hakuna
(Wamakatarisira wenyu ayenda)

Unotyei, unotyei?
Unotyei, unotyei?
(Ndangariro dziri mberi handi dzako)
Wagumirwa here, wapererwa here?
(Ndangariro dziri mberi handi dzako)
Wagumirwa here, wapererwa here?
(Ndangariro dziri mberi handi dzako)

Ha-a-a hanzi, "Nyarara"
Ha-a-a hanzi, "Chema uine tariro"
Ha-a-a hanzi, "Shingirira"
Ha-a-a hanzi, "Inguva"

Pasina nguva, munhu hakuna
(Wamakasiya nezuro amira kufema)
Pasina nguva, munhu hakuna
(Wamakatarisira wenyu ayenda)

Unotyei, unotyei?
Unotyei, unotyei?
(Ndangariro dziri mberi handi dzako)
Wagumirwa here, wapererwa here?
(Ndangariro dziri mberi handi dzako)
Wagumirwa here, wapererwa here?
(Ndangariro dziri mberi handi dzako)

Zvakamira seiko, tozviita sei? He-he-hey
Zvakamira seiko, tozviita sei? He-he-hey

Ha-a-a hanzi, "Nyarara"
Ha-a-a hanzi, "Chema uine tariro"
Ha-a-a hanzi, "Shinga"
Ha-a-a ha-a-a hanzi, "Inguva"

Pasina nguva, munhu hakuna
Pasina nguva, munhu hakuna
Alicious

Lyrics sourced via LRCLIB, contributed by its community.