Leonard Dembo – Edhina Lyrics

Edhina Lyrics

Vakuru vangu vakakura vakagarika
Neniwo ndinongochemera rugare, asi ndinoshaya

Vakuru vangu vakakura vakagarika
Neniwo ndinongochemera rugare, asi ndinoshaya

Vakuru vedu vaivhima vachibata
Isu hatichakwanisa kubatsirana nokuti tinoshaya

Vakuru vedu vaivhima vachibata
Isu hatichakwanisa kubatsirana nokuti tinoshaya

Ruvengo rwawanda mumaziso edu
Nemhosva yehurombo

Ruvengo rwawanda mumaziso edu
Nemhosva yehurombo

Ruvengo rwawanda mumaziso edu
Nemupfungwa nemhosva yehurombo

Ruvengo rwawanda mumaziso edu
Nemupfungwa nemhosva yekushaya

Izuva rudziiko risina rudzi
Inga mwedzi une tuzukuru

Izuva rudziiko risina rudzi
Inga mwedzi une tuzukuru

Dai tese takwanisa kushandawo pasina ruvengo
Mwana wangu Edhina akashandawo neniwo ndinodya ndichiguta

Vakuru vangu vakakura vakagarika
Neniwo ndinongochemera rugare asi ndinoshaya

Vakuru vedu vaivhima vachibata
Isu hatichakwanisa kubatsirana nokuti tinoshaya

Ruvengo rwawanda mumaziso edu
Nemhosva yehurombo

Ruvengo rwawanda mumaziso edu
Nemupfungwa nemhosva yekushaya

Lyrics sourced via LRCLIB, contributed by its community.