Leonard Dembo – Shiri Yakangwara Lyrics

Shiri Yakangwara Lyrics

Shiri yakangwara inovaka dendere rayo nguva iripo iyo
Mwana iwe newewo ngwara iwe
Shiri yakangwara inovaka dendere rayo nguva iripo iyo
Mwana iwe newewo ngwara iwe

Mujuru unovaka imba yawo mvura isati yaturuka iyo
Mwana iwe newewo ngwara iwe
Mujuru unovaka imba yawo mvura isati yaturuka iyo
Mwana iwe newewo ngwara iwe
Kondo inovaka imba yayo pamanhenga kuti pasawana anotora vana vayo, ngwara iwe
Kondo inovaka imba yayo pamanhenga kuti pasawana anótora vana vayo, ngwara iwe

Inokandira mazai akafanana nevhu iyo hurekure kuti vanhu vasaona, ngwara iwe

Shiri yakangwara inovaka dendere rayo nguva iripo iyo
Mwana iwe newewo ngwara iwe
Mujuru unovaka imba yawo mvura isati yaturuka iyo, mwana iwe, newewo ngwara iwe
Kondo inovaka imba yayo pamanhenga kuti pasawana anotora vana vayo, ngwara iwe

Zano rako chete, ndiro guru pakumisa bango rako
Zano rako chete, ndiro guru pakumisa musha wako
Hana yako chete, ndiwo musimboti wezvaunoronga
Hana yako chete ndiwo musimboti wezvaunofunga
Zano rako chete ndiro guru pakumisa bango rako

Lyrics sourced via LRCLIB, contributed by its community.