Leonard Dembo & The Barura Express – Ndibatsireiwo Ndanzwa Lyrics

Ndibatsireiwo Ndanzwa Lyrics

Nhai sekuru ndibatsireiwo mune zvinondinetsa
Muzukuru wenyu ndatambura wani nokugarochema
Nhai sekuru ndibatsireiwo mune zvinondinetsa
Muzukuru wenyu ndatambura wani nokugarochema

Pokugara chaipo chaipo panondinetsa
Mwana wenyu ndatambura nemisodzi pama tama
Pokugara chaipo chaipo panondinetsa
Mwana wenyu ndatambura nemisodzi pama tama

Imi munoramba kundibatsira mune zvinondinetsa
Kuna Ruramai munomubatsira musina kumbokumbirwa
Imi munoramba kundibatsira mune zvinondinetsa
Kuna Ruramai munomubatsira musina kumbokumbirwa

Hembe chaiyo imwechete chiomandikupfeke
Ingawani ndadaidzira nemisodzi ndanzwa
Hembe chaiyo imwechete chiomandikupfeke
Ingawani ndadaidzira nemisodzi ndanzwa

Ndokoromoka pamusoro soro pegomo
Varume we huyai mundichingurewo ndanzwa
Ndokoromoka pamusoro soro pegomo
Varume we huyai mundichingurewo ndanzwa

Amainini ndibatsireiwo mune zvinondinetsa
Ingawani ndadaidzira nemisodzi ndanzwa
Amainini ndibatsireiwo mune zvinondinetsa
Ingawani ndadaidzira nemisodzi ndanzwa

Huya undinyaradze isa chiedza kwandiri
Ndikangokuona zvinondinetsa ndombo zvikanganwa
Huya unditurike chiedza ndamirira
Huya ndingokuona zvako kamwechete kuhope
Ruva rerusununguko rwemoyo wangu

Huya undinyaradze isa chiedza kwandiri
Ndikangokuona zvinondinetsa ndombozvikanganwa
Huya unditurike chiedza ndamirira
Huya ndingokuona zvako kamwechete kuhope
Ruva rerusununguko rwemoyo wangu

Lyrics sourced via LRCLIB, contributed by its community.