Tocky Vibes – Kura Uone Lyrics
Kura Uone Lyrics
Boss Lenso paGulf
Ndiwe, ndiwe
Ndiwe, ndiwe, ndiwe, ndiwe
Papa Oli
Well, well, well, well
Solid Records
Musoro wangu uchatova chigayo
Kungogara ndichigaya
Zvikasandiwuraya zvichandipa kufaya
Dai wakura uwone
Ndakura ndava kuzvionera
Hanzi, "Kura uwone."
Ndakura, ko ndava kutondera
Dai wakura uwone
Ndakura ndava kuzvionera
Bvarura tisone
Wega watadza kana kuzvigonera
Joko rehupenyu malume iri hapana kudzoka shure
Ndinoona mambure
Zviuya zviri mberi
Munzira mune mashoko mamwe ekukurudzira
Gara wakangwarira, amwe anopedza simba
Ini kwedu ndaiva mujibha
Mombe ndodzega dzinodhibha
Ungaregererwa asi havakanganwe
Mhosva yacho muchairipa
Zvinonzwisa tsitsi, zvinosiririsa
Zvinondidzimba moyo, zvinondidzidzisa
Dai wakura uwone
Iwe ndakura ndava kuzvionera
Hanzi, "Kura uwone."
Ndakura, ko ndava kutondera
Dai wakura uwone
Iwe ndakura ndava kuzvionera
Bvarura tisone
Wega watadza kana kuzvigonera
Ukanzi mwana ava kurwara ndopauchaona iwe hauna kungwara
Utoriwo mambara nechitsvuku chauchaona uchasakara
Uchinyanya kuzviita baba
Chisimudza musoro tione gaba
Nhamo ichakupa mashaba
"Hausati wati uchazhaba."
Ndopfugama kuna Mwari ndichiti, "Ndirerutsirei."
Ndonamata kuna Mwari ndichiti, "Ndicheneserei nzira."
Ndifambe, ndiende
Ndifambe, ndiende
Ndifambe, ndisvike
Ho-o
Dai wakura uwone
Ndakura ndava kuzvionera
Hanzi, "Kura uwone."
Ndakura, ko ndava kutondera
Dai wakura uwone
Ndakura ndava kuzvionera
Bvarura tisone
Wega watadza kana kuzvigonera
Joko rehupenyu malume iri hapana kudzoka shure
Ndinoona mambure
Zviuya zviri mberi
Munzira mune mashoko mamwe ekukurudzira
Gara wakangwarira, mamwe anopedza simba
Lyrics sourced via LRCLIB, contributed by its community.
