James Chimombe – Kudakwashe Lyrics

Kudakwashe Lyrics

Zvandapihwa naShe ndinogamuchira
Handirambe hoo, ndinotora handirambe
Zvandapihwa naShe ndinogamuchira
Chipo chandapihwa
Hoo, ndinotora, handirambe nhai

Kudakwashe kwairambwa
Ndiani aida kufa? Hapana
Hoo, ndinotora, handirambe nhai
Kudakwashe kwairambwa
Ndiani aida kufirwa? Hapana
Hoo, ndinotora handirambe

Zvandapihwa naShe ndinogamuchira
Handirambe hoo, ndinotora handirambe
Zvandapihwa naShe ndinogamuchira
Hazvirambike
Hoo, ndinotora, handirambe nhai

Kudakwashe kwairambwa
Kungadai kusina mapofu
Ndinotora handirambe nhai
Kudakwashe kwairambwa
Kungadai kusina mapofu
Ndinotora, kuda kwaShe, hazvina mhosva

Kudakwashe kwairambwa
Kungadai kusina mhetamakumbo
Ndinotora handirambe nhai
Kudakwashe kwairambwa
Kungadai kusina mazunguzurwa
Ndinotora, handirambi

Zvandapihwa naShe ndinogamuchira
Handirambe hoo, ndinotora handirambe
Zvandapihwa naShe ndinogamuchira
Hazvirambike
Hoo, ndinotora, handirambe
Hazvina mhosva

Lyrics sourced via LRCLIB, contributed by its community.