James Chimombe – Zviwuya Zvirimberi Lyrics

Zviwuya Zvirimberi Lyrics

Usatye kuyedza, hauzive zvichaitika
Usatye kusekwa, hauzive zviri mberi
Usatyire kure kure zviuya zviri mberi
Usatyire kure kure simbi inorohwa ichapisa

Usatye kuyedza, hauzive zvichaitika
Usatye kusekwa, hauzive zviri mberi
Usatyire kure kure, zviuya zviri mberi
Usatyire kure, simbi inorohwa ichapisa

Matanda masayirirwa unosiya nerine muchenje
Matanda mazungunuswa unosiya nerakaora
Matanda masayirirwa unosiya nerine muchenje
Matanda mazungunuswa unosiya nerakaora

Usatye kuyedza, hauzive zvichaitika
Usatye kusekwa, hauzive zviri mberi
Usatyire kure kure, zviuya zviri mberi
Usatye kusekwa, simbi inorohwa ichapisa

Chembere yekwaChivi yakabika mabwe nemunyu zvikaramba
Asi vanhu vakamwa muto zvinhu zviyedzwa
Chembere yekwaChivi yakabika mabwe nemunyu zvikaramba
Asi vanhu vakamwa muto zvinhu zviyedzwa

Matanda masayirirwa unosiya nerine muchenje
Matanda mazungunuswa unosiya nerakaora
Matanda masayirirwa unosiya nerine muchenje
Matanda mazungunuswa unosiya nerakaora

Usatye kuedza, hauzive zvichaitika
Usatye kusekwa, hauzive zviri mberi
Usatyire kure kure, zviuya zviri mberi
Usatyire kure kure, simbi inorohwa ichapisa

Lyrics sourced via LRCLIB, contributed by its community.