Alick Macheso – Charakupa Lyrics

Charakupa denga tenda iwe
Tenda iwe iwe
Tendawo uchapihwa zvimwe

Charakupa denga tenda iwe
Tenda iwe iwe
Tendawo uchapihwa zvimwe

Kana zvakawanda ipawo
Kune avo vanoshaya vapewo uchatendwa naShe

Kana zvakawanda ipawo
Kune avo vanoshaya vapewo uchatendwa naShe

Variko vangakusvibise Moyo
Rega vakadaro
Ita chete zvawakapihwa nashe

Variko vangakusvibise Moyo
Rega vakadaro
Ita chete zvawakapihwa nashe

Kukupa kuona zvauri
Une Moyo une Rudo nevamwe usadzoke shure

Kukupa kuona zvauri
Une Moyo une Rudo nevamwe usadzoke shure

Vavariro yavo ndeiyi ka
Kuda kumwaya tsito mumukaka
Moyo yavo ivo yakasviba

Vavariro yavo ndeiyi ka
Kuda kumwaya tsito mumukaka
Moyo yavo ivo yakasviba

Awuwe
Moyo yavo iyo yakasviba
Awuwe
Moyo yavo iyo yakasviba
Awuwe
Moyo yavo iyo yakasviba
Awuwe
Moyo yavo iyo yakasviba

Mwari vanoziva zvavakatisikira isu
Pagumi pane chimwe, chimwe badzi chauchabuda nacho

Mwari vanoziva zvavakatisikira isu
Pagumi pane chimwe, chimwe badzi chauchabuda nacho

Kana ndiri seni ndiri muimbi ini
Ndipo pane chiraramo changu
Nevamwe vandinobata navo

Kana ndiri seni ndiri muimbi ini
Ndipo pane chiraramo changu
Nevamwe vandinobata navo

Handei mberi tipe vanhu kudya kwenzeve
Isu hazvisi zvedu isu chedu hubvonga chete
Kana tabvonga togadzika vanodyawo vodya
Kushata kana nhapitapi vachadudzira ivo

Handei mberi tipe vanhu kudya kwenzeve
Isu hazvisi zvedu isu chedu hubvonga chete
Kana tabvonga togadzika vanodya vodya
Kushata kana nhapitapi vachadudzira ivo