Alick Macheso – Charakupa Lyrics
Charakupa denga tenda iwe
Tenda iwe iwe
Tendawo uchapihwa zvimwe
Charakupa denga tenda iwe
Tenda iwe iwe
Tendawo uchapihwa zvimwe
Kana zvakawanda ipawo
Kune avo vanoshaya vapewo uchatendwa naShe
Kana zvakawanda ipawo
Kune avo vanoshaya vapewo uchatendwa naShe
Variko vangakusvibise Moyo
Rega vakadaro
Ita chete zvawakapihwa nashe
Variko vangakusvibise Moyo
Rega vakadaro
Ita chete zvawakapihwa nashe
Kukupa kuona zvauri
Une Moyo une Rudo nevamwe usadzoke shure
Kukupa kuona zvauri
Une Moyo une Rudo nevamwe usadzoke shure
Vavariro yavo ndeiyi ka
Kuda kumwaya tsito mumukaka
Moyo yavo ivo yakasviba
Vavariro yavo ndeiyi ka
Kuda kumwaya tsito mumukaka
Moyo yavo ivo yakasviba
Awuwe
Moyo yavo iyo yakasviba
Awuwe
Moyo yavo iyo yakasviba
Awuwe
Moyo yavo iyo yakasviba
Awuwe
Moyo yavo iyo yakasviba
Mwari vanoziva zvavakatisikira isu
Pagumi pane chimwe, chimwe badzi chauchabuda nacho
Mwari vanoziva zvavakatisikira isu
Pagumi pane chimwe, chimwe badzi chauchabuda nacho
Kana ndiri seni ndiri muimbi ini
Ndipo pane chiraramo changu
Nevamwe vandinobata navo
Kana ndiri seni ndiri muimbi ini
Ndipo pane chiraramo changu
Nevamwe vandinobata navo
Handei mberi tipe vanhu kudya kwenzeve
Isu hazvisi zvedu isu chedu hubvonga chete
Kana tabvonga togadzika vanodyawo vodya
Kushata kana nhapitapi vachadudzira ivo
Handei mberi tipe vanhu kudya kwenzeve
Isu hazvisi zvedu isu chedu hubvonga chete
Kana tabvonga togadzika vanodya vodya
Kushata kana nhapitapi vachadudzira ivo