Leonard Dembo – Sharai Lyrics
Sharai Lyrics
Tsamba yako chikomana iyi
Ah, mazvita henyu vaPostman
Yabva kupiko tsamba iyi? Rega ndivhure ndione
Ah, inga yabva kuna Sharai nhai
Kubvira nguva iya yandakapesana naye, mudiwa wangu achiri kundifungawo nazvino, nhai?
Gunzvenzve remoyo wangu
Ndikakufunga ndinochema, ndinonzwa musoro, uye handirare

Tsamba dzaunonyora
Dzinonditambudza pfungwa dzangu, ndikadziverenga handirare

Nguva yareba dhiya wangu
Tapesana, ndotokuona pamufananidzo
Nguva yareba dhiya wangu
Tapesana, ndotokuona pamufananidzo
Sharai, usaputse chirangano (chirangano chedu)
Chedu (usaputse chirangano, ungandigumbure)

Mwanawe, usaputse chirangano (chirangano chedu)
Chedu (usaputse chirangano, ungandigumbure)
Gunzvenzve remoyo wangu
Ndikakufunga ndinochema, ndinonzwa musoro uyehandirare
Tsamba dzaunonyora
Dzinonditambudza pfungwa dzangu, ndikadziverenga handirare
Nguva yareba dhiya wangu tapesana
Ndotokuona pamufananidzo
Nguva yareba dhiya wangu tapesana
Ndotokuona pamufananidzo
Sharai, usaputse chirangano (chirangano chedu)
Chedu (usaputse chirangano, ungandigumbure)
Mwanawe, usaputse chirangano (chirangano chedu)
Chedu (usaputse chirangano, ungandigumbure)
Chokwadi, usaputse chirangano (chirangano chedu)
Chedu (usaputse chirangano, ungandigumbure)
Sharai, usaputse chirangano (chirangano chedu)
Chedu (usaputse chirangano, ungandigumbure)
Mwanawe, usaputse chirangano (chirangano chedu)
Chedu (usaputse chirangano, ungandigumbure)
Lyrics sourced via LRCLIB, contributed by its community.