System Tazvida – Musikana Wandainetsekera Lyrics

Musikana Wandainetsekera Lyrics

Musikana wandainetsekera
Bhebhi randairwarira riye
Musikana wekumbo ndipozera uye
Bhebhi rekumbondisvipira kumeso

Andinga roorwe nerombe
Hanzi andinga roorwe nerombe
Ndingakudii unemhuno yechibhoyi
Ndingakudii unemhuno yechibhoyi
Yajaira zvekufembeswa bute
Yajaira zvekufembeswa bute

Musikana wandainetsekera
Bhebhi randairwarira riye
Musikana wekumbo ndipozera uye
Bhebhi rekumbondisvipira kumeso

Andinga roorwe nerombe
Hanzi andinga roorwe nerombe
Ndingakudii unemhuno yechibhoyi
Ndingakudii unemhuno yechibhoyi
Yajaira zvekufembeswa bute
Yajaira zvekufembeswa bute

Nhasi uno wondisvinhira misodzi
Nhasi uno wondisvinhira misodzi
Mabasa erudo akaoma
Mabasa erudo akaoma

Musikana wandainetsekera
Bhebhi randairwarira riye
Musikana wekumbo ndipozera uye
Bhebhi rekumbondisvipira kumeso

Andinga roorwe nerombe
Hanzi andinga roorwe nerombe
Ndingakudii unemhuno yechibhoyi
Ndingakudii unemhuno yechibhoyi
Yajaira zvekufembeswa bute
Yajaira zvekufembeswa bute

Nhasi uno wondisvinhira misodzi
Nhasi uno wondisvinhira misodzi
Mabasa erudo akaoma
Mabasa erudo akaoma

Hanzi dhedhi nhasi maswerepiko?
Hanzi lovie nhasi waswerepiko?
Andina kumbodya nekukufunga
Andina kumborara nekukufunga
Hanzi lovie nhasi waswerepiko?
Hanzi dhedhi nhasi waswerepiko?
Andina kumbodya ndichikufunga
Andina kumbodya ndichikufunga

Akanganwa aimbondipozera
Akanganwa aimbondishainira
Akanganwa aimbondipozera
Akanganwa aimbondishainira

Usandisiye ndega
Hanzi dhedhi ndinotya zvipoko
Nhasi haacharara nekundifunga
Nhasi haacharara nekundifunga
Kudya haachadya nekundifunga
Kudya haachadya nekundifunga

Musikana wandainetsekera
Bhebhi randairwarira riye
Musikana wekumbo ndipozera uye
Bhebhi rekumbondisvipira kumeso

Andinga roorwe nerombe
Hanzi andinga roorwe nerombe

Usandisiye ndega
Hanzi dhedhi ndinotya zvipoko
Usandisiye ndega
Hanzi lovie ndinotya murima
Usandisiye ndega
Hanzi dhedhi ndinotya zvipoko
Usandisiye ndega
Hanzi lovie ndinotya murima

Lyrics sourced via LRCLIB, contributed by its community.