System Tazvida – Ivawo Wangu Lyrics

Ivawo Wangu Lyrics

Ndochema dhiya iwe
Kuchemera iwe
Ndochema mwanasikana
Ndokumbirawo rudo
Ndochema dhiya iwe
Kuchemera iwe
Ndochema mwanasikana
Ndokumbirawo rudo

Ndide ndidewo ndachema dhiya iwe
Ndide ndidewo ugondipawo rudo
Ndide ndidewo ndigoudza vaTazvida
Ndide ndidewo ndawana wangu
Ndide ndidewo achandikwenya mhezi
Ndide ndidewo ndavaviwa nerudo
Ndide ndidewo mai Svodai muroora uyu
Ndide ndidewo

Kuchena kose kwandinoita
Kuchenera iwe
Dzimwe nguva ungandiona ugondidawo iwe
Kuchena kose kwandinoita
Kuchenera iwe
Dzimwe nguva ungandiona ugondidawo iwe

Ndide ndidewo ndachema dhiya iwe
Ndide ndidewo ndigoudza vaTazvida
Ndide ndidewo ndawana wangu
Ndide ndidewo achandikwenya mhezi
Ndide ndidewo ndavaviwa nerudo
Ndide ndidewo mai Thomas muroora uyu
Ndide ndidewo

Ndochema bhebhi kuchemera iwe
Ndochema bhebhi kuchemera iwe
Ndakuvara bhebhi ndakuvarira mukati
Ndakuvara mwana ndakuvarira mukati
Ndakuvara bhebhi ndakuvarira mukati
Ivawo wangu, iwe ivawo wangu
Ivawo wangu, iwe ivawo wangu
Ukangondida ndichabata denga
Ukangondida ndichafarisisa
Ukangondida ndichabata denga
Ukangondida ndichafarisisa

Ndide ndidewo ndigoudza vaTazvida
Ndide ndidewo ndawana wangu
Ndide ndidewo achandikwenya mhezi
Ndide ndidewo ndavaviwa nerudo
Ndide ndidewo mai Svodai muroora uyu
Ndide ndidewo mai Thomas muroora uyu

Chiuya dhiya
Chiuya lovie iwe
Chiuya Chido
Hoo, chiuya Barbra
Chiuya dhiya
Chiuya lovie iwe
Chiuya Chido
Hoo, chiuya Barbra

Chiuya mwana
Chiuya lovie iwe
Chiuya Chido
Hoo, chiuya Barbra
Chiuya chido
Chiuya lovie iwe
Chiuya mwana
Hoo, chiuya Barbra

Ndide ndidewo ndachema dhiya iwe
Ndide ndidewo mai Thomas muroora uyu

Kana ndikadiwa newe makomborero
Kana ndikadiwa newe

Lyrics sourced via LRCLIB, contributed by its community.