System Tazvida – Rudo Ndimashingise Lyrics

Rudo Ndimashingise Lyrics

Ko rudo ndimashingise
Hona rudo ndimashingisewo
Ko rudo ndimashingise
Hona rudo ndimashingisewo

Ko rudo ndimashingise
Hona rudo ndimashingisewo
Ko rudo ndimashingise
Hona rudo ndimashingisewo

Rwakandiyambusa dziva rine ngwena
Ndichimhanyira kundofara naRudo
Rwakandiyambusa dziva rine ngwena
Ndichimhanyira kundofara naRudo
Rwakandiyambutsa rwizi rwakazara
Ndichimhanyira kunofara naRudo
Rwakandiyambutsa rwizi rwakazara
Ndichimhanyira kunofara naRudo

Ko rudo ndimashingise
Hona rudo ndimashingisewo
Ko rudo ndimashingise
Hona rudo ndimashingisewo

Hapana pfuti inopfuura rudo
Kana banga rinocheka rudo
Hapana pfumo rinobaya rudo
Kana demo rinotema rudo

Ko rudo ndimashingise
Hona rudo ndimashingisewo
Ko rudo ndimashingise
Hona rudo ndimashingisewo

Ukatora wangu wotoshinga
Ukatora wangu wotozvitemba
Ukatora wangu wotoshinga
Ukatora wangu wotozvitemba
Ukatora wangu wotoshinga
Ukatora wangu wotozvitemba

Ndakarwisana nevaiva nemapfumo
Vachida kutora dhiya wangu zvemakanya
Ndakarwisana nevaiva nemapanga
Vachida kutora bhebhi rangu zvemakanya
Ndakarwisana nevaiva nemapfumo
Vachida kutora dhiya wangu zvemakanya

Rudo dzoka uzovapozera mangwana
Rudo dzoka uzovashainira mangwana
Rudo dzoka uzovapozera mangwana
Rudo dzoka uzovashainira mangwana

Dziva ndinopinda kunyurira rudo
Gomo ndinokwira kukwirira rudo
Zvibhakera ndinovhika kuvhikira rudo
Dziva ndinonyura kunyurira rudo
Zvibhakera ndinovhika kuvhikira rudo

Ndakarwisana nevaiva nemapfumo
Vachida kutora dhiya wangu zvemakanya

Lyrics sourced via LRCLIB, contributed by its community.