Soul Jah Love – Usadherera Ngoma Lyrics

Usadherera Ngoma Lyrics

Batai baba! (Batai baba!)
Conquering! (Conquering!)
Batai baba-ba-ba!
Chiba-ba-ba-ba-ba-ba-ba!

Honorary!
Well it is the conquering shumba rudzi rwechiJudah?
Bodyslam apindira mu-game
A-one a dem

Ndikati conquering shumba ndazvishaura
Ende futi ndazvitawura
Mufunge ndakayaura asi futi ndozvitangisa
Handimbozvipengesa

Vari kushamisika mangoma ndichingoburitsa
Ndoita ekurutsa
Ende futi vari kuziva mangoma hapana anosvitsa pandiri
Vari kuziva mangoma ndiri mukuru

Ndine huturu, ndakatodya nduru
Vaudze mangoma ndiri bhuru
Nekuti wega unonzwa
Wega uchanzwa

Ukaona futi wazotsika munzwa
Handife ndabvunzwa
Vaudze ndasakura nda-ndazunzwa
Na one a dem

Ndikati, ngoma teerera ngoma
Iwe usadheerera ngoma
Usade kunditorera ngoma
Nekuti inini ndazochengetwa nengoma

Ndati, teerera ngoma iyi
Ndati, usambodheerera ngoma iyi
Ndati, usade kunditorera ngoma
Nekuti inini ndachengetwa nengoma

Mukoma, vaudze kuti mangoma ndamadhoma
Ende futi handife ndamadhama
Ndazama, ndadzama
Mangoma ndabaka futi handimbodzima

Vaudze ndoenda
Mangoma vapa kutenda
Vari kuziva handife nda-surrender
Vaudze kumberi kwekuseri

Ende futi vari kuziva nekuti handina kutangira ipapo
Handigumire ipapo
Vaudze ndopfuura ipapo, kana ndikazvibatidza
Pandichazvitangisa vaingofungira kuti ndichachibakisa

Na one a dem
Ndati, iwe chimboteerera ngoma iyi
Ndati, usambodheerera ngoma iyi
Usade kunditorera ngoma iyi
Nekuti ndinoraramiswa nengoma inini

Ndati, usadheerera ngoma iyi
Iwe, imboteerera ngoma iyi
Ndati, usade kunditorera ngoma
Nekuti ini ndararama nengoma

Sausage futi ndadya nemangoma
Handidi ku-kukanganwa mangoma
Mbatya ndapfeka ndayimba mangoma
Mari, Mwari ndatenda futi sha-a

Mwari vari kutozviziva panobuda zuva
Vaudze mangoma ndinorova ndozvireva
Vari kuti, "He-e mari," asi futi ndadiridza seruva
Nokuti vari kuona vaudze kuti ndapona

Ende futi ndarova ngoma kunge pena
Vaudze ndagainer
Vaudze ndasiya vari pa-corner
Eh-h! Ndovasona! Vaudze, ndati vaudze!

Ndati, imboteerera ngoma
Ndati, usade kudheerera ngoma
Nekuti uda kunditorera ngoma
Ndararamiswa ma-ma-mangoma aya

Usambosaiza mangoma aya
Ndati, ndamanzwa ini mangoma aya
Zviri kufaya! Zvavabaya!
Mangoma ari kunaya, vhunza Wakaya

Anokuudza mangoma futika ndavhaya
Father, my brother
They take it further
Ende futi handina basa futika ne-weather

Vari kutozviziva
Conquering! Full bar and catering!
Ende futi vari kushamisika kuti ndiri kubhururuka
Ndiri kudhadhamuka

Batai ba-! Handimbogumira ipapo!
Honour! (Honour! Honour!)

Lyrics sourced via LRCLIB, contributed by its community.